Revelation of John 14

Gwayana naVanhu Zviuru Zana naMakumi Mana neZvina

1Ipapo ndakatarisa, ndikaona pamberi pangu pakanga pane Gwayana, rimire paGomo reZioni, uye rakanga rina vanhu zviuru zana namakumi mana navana vakanga vakanyorwa zita raro nezita raBaba varo pahuma dzavo. 2Uye ndakanzwa inzwi richibva kudenga rakaita somubvumo wemvura zhinji uye samaungira okutinhira. Inzwi randakanzwa rakanga rakaita seravaridzi vorudimbwa vanoridza rudimbwa rwavo. 3Uye vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina uye napamberi pavakuru. Hakuna munhu aigona kudzidza rwiyo urwo kunze kwaava zviuru zana namakumi mana navana vakanga vadzikinurwa kubva panyika. 4Ava ndivo vaya vasina kuzvisvibisa navakadzi, nokuti vakazvichenesa. Vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Vakatengwa pakati pavanhu vakapiwa kuti vave sezvipiriso zvezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana. 5Nhema hadzina kuwanikwa mumiromo yavo; havana chavanopomerwa.

Vatumwa Vatatu

6Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pechadenga, uye akanga ane vhangeri risingaperi kuti aparidzire avo vanogara panyika, kundudzi dzose, namarudzi ose, nendimi dzose uye navanhu vose. 7Akati nenzwi guru, “Ityai Mwari uye mumupe mbiri, nokuti nguva yokutonga kwake yasvika. Namatai iye akaita matenga, nyika, gungwa namatsime emvura.”

8Mutumwa wechipiri akatevera akati, “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru, rakaita kuti ndudzi dzose dzinwe waini inopengesa youpombwe hwaro.”

9Mutumwa wechitatu akavatevera uye akati nenzwi guru: “Kana munhu achinamata chikara nechifananidzo chacho uye akapiwa mucherechedzo wacho pahuma kana pamaoko, 10naiyewo achanwa waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa sezvairi mumukombe wehasha dzaMwari. Achatambudzwa nesafuri inopfuta pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peGwayana. 11Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri. Hapana zororo masikati kana usiku kuna avo vanonamata chikara nechifananidzo chacho, kana kuna ani zvake anogamuchira mucherechedzo wezita racho.” 12Izvi zvinoda kutsungirira kwavatsvene vanoteerera mirayiro yaMwari uye vanoramba vakatendeka kuna Jesu.

13Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Nyora uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna She kubva zvino.”

“Hongu,” ndizvo zvinoreva Mweya, “vachazorora pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo achavatevera.”

Kukohwewa kweNyika

14Ndakatarira, ipapo pamberi pangu pakanga pane gore jena, uye akanga agere pagore akanga ari mumwe “akaita somwanakomana womunhu” ane korona yegoridhe pamusoro wake uye ane jeko rinopinza muruoko rwake. 15Ipapo mumwe mutumwa akabuda mutemberi akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga agere pagore akati, “Tora jeko rako ugokohwa, nokuti nguva yokukohwa yasvika, nokuti gohwo renyika raibva.” 16Saka iye akanga agere pagore akavheyesa jeko rake panyika, nyika ikakohwewa.

17Mumwe mutumwa akabuda mutemberi iri mudenga, naiyewo akanga ane jeko rinopinza. 18Mumwezve mutumwa, akanga ane simba pamusoro pomoto, akabuda achibva paaritari akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga ane jeko rinopinza akati, “Tora jeko rako rinopinza ugounganidza masumbu amazambiringa anobva pamuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa awo aibva.” 19Mutumwa akavheyesa jeko rake panyika, akaunganidza mazambiringa awo akaakanda muchisviniro chikuru chewaini chehasha dzaMwari. 20Akatsikwa muchisviniro, kunze kweguta, uye ropa rikayerera richibuda muchisviniro rikakwira kusvikira pamatomu amabhiza kwechinhambwe chinoita makiromita mazana matatu.

Copyright information for SnaBDSC